552 Mwari Baba Vedu
video
Mwari Baba Vedu -A. Chamunorwa
M· Mwari Baba vedu
V· S Mwari Baba-ha tinoteterera , Baba Mwari wedu tinoteterera zaruriraiwo denga mwana wenyu uyu
B Mwari Baba zaruriraiwo denga mwana wenyu uyu- Baba tinoteterera
zaruriraiwo denga mwana wenyu uyu
Madetembo:
1 .Kutadza ndokwevanhu Mambo tiri vana venyu tinzwei, mukati mutiramwe Mambo, nhamo dzingadurikaidzane.
2. Tingazive kwaanikowo mukatirasa Mambo, makatisika ndimi Mambo motongoramba muinesu.
3. Havangaseki here Mambo mukatiramwa imi, nyadzisai vavengi vedu munzwe
chichemo chedu Mambo.
4. Ngaachifara mwana wenyu murnuzinda wenyu wedenga, mwana wenyu achizorora, agare achitonhorerwa