899 Takaitwa Vanhu Vatsva


video

Stop Video; Enter Hymn Number or Title; Click Search.

899 Takaitwa Vanhu Vatsva


Takaitwa Vanhu Vatsva -FK. Mukanyi M· Takaitwa vanhu vatsva
V.· All Takaitwa vanhu vatsva, ngatifambei murugare, murugare

Madetembo:

1.Vose vanofamba nomurairo uyu, ngavave norugare
2.Ngavave norugare nenyasha pamusoro pavo, ivo navanhu vose vaMwari
3.Kubvira zvino ngakurege kuva nomunhu anonditambudza
4.Nokuti ndina mavanga aJesu pamuviri wangu- mavanga aJesu pamuviri wangu
5.Muchinjikwa waTenzi Yesu Kristo unoita kuti pasi rive chinhu chakafa kwandiri
6.lni ndichivawo chinhu chakafa kune pasi, chinhu chakafa kwariri pasi
7.Nyasha dzaTenzi wedu Jesu Kristo ngadzive nomweya yenyu hama dzangu

Chorus:

SIA Chinhu chinokosha kwandiri kuva chisikwa chitsva, chinhu chinokosha kuva chisikwa chitsva
B --- Chinokosha kwandiri kuva chisikwa chitsva, chinokosha kuva chisikwa chitsva