Munamato Wemangwanani

Yesu wangu wadiwa, heyii minamato yangu, hayayimabasa angu, hokuyikufara kwangu nokutambudzikakwangu kwanhasi. Amaivenyu Maria musande ngavatisvitsirewo izvi kunemi, kuti zvose zvamunodaimi zvigoitwanhasi.
Mwari wangu, ndimi vandinoitira nhasi uno, ndichifunga, ndichitaura, ndichibata basa ndichirwara. Itai kuti ndiswere nhasi uno ndisina kukutadzirai, ndichiita zvamunodazvoga.
Amen.

Baba vedu... Kwaziwayi Maria... Vakudziwe Baba...Tinotendera Mwari

Kutendera.....

Mwari wangu ndinotenderaimi chaizvo nazvosezvandinorayidzwa kutendera neKirke Katorike Apostorike, nokuti imi, makatiudzaizvi munorevazviro kwazvo.

Kutarisira....

Mwari wangu ndinotarisira kwazvo kuti muchandipanhasi uno girasiya renyu ratakawanirwa naYesu Kriste, kuti tigozofara naye kuDenga, tafa. Ndinotarisira izvi, nokutiimi makatipa izvi, munoitazvamakatitsidzira.

Kuda.....

Mwari wangu ndinokudainomwoyo wangu wose, ndinokudaikupindazvose, nokutimakanaka, munokodzerakudiwakwazvo. Nokudakwenyu, ndinodavamwe sokudakwandizviita.

Kupfidza.....

Yesu mambo wangu makandifira pachipiyaniso. Ndichitarira Chipiyaniso ndinoda kurega kutadzachose. Yesu wangu ndiregererei. Ndinokumbirakuti Mundinzwirewo tsitsi. Handidi kukutadziraipakare.
Amen.
Mwoyo vaYesu waMwari, pindurai vatadzi, nunurai vanofa, buritsai mweyairi muPurugatorio. Yesu wangu makanakisa, ndidavirei, Kwazivaimununuri wangu. Mwari wangu, ndinozivandinofa, asi handizivi riniko, handizivi kupiko, handizivi seiko, asi ndinozivakuti kana ndikafa norutadzo runourayandicharasirwakumoto muzhinji. Mwoyo waYesu waMwari, kunemindinotarisira gracia rerufu rwakanaka, kuti ndifendichi shamwaridzana nemi kwemisi isingaperi.
Amen.