Chimiso 1

Yesu asine mhaka arikutongerwa kufa naPonsiyo Pirato

M Tinokupfugamirai, Kristo Mambo, tinokurumbidzai.

V Zvamakanunura vanhu vose nechipiyaniso chenyu chisande.

M Ngatirangarirei: Yesu wakabuda mumba maKaifasi, umo akanga atukwa. AkabudazvekwaHerode, apo akanga asekwa. Zvino pana Ponsiyo Pirato iye musiki anotongwa nechisikwa, iye Mwari anotongwa nomutadzi. Mutongiwacho idera uye vamangari vazere nhema namakuhwa. Yesu akavinga kuti vanhu vave noupenyu, asi ivo vanomutongera kufa.

M Yesu, makatakuramatadzo edu ose.

V Makapira isu hama dzenyu upenyu hwenyu.

M Ngatinamatei: Yesu madiwa, zvakaitika apa hazvinakuitika kamwe chete, zvikapera. Zuvarimwe nerimwe munotongwasaizvozvo, nokutinokutadzakwedu tinokufuratirai. Tiregerereiwo kuti pazuvarokutongwakwedu tiwane mufaro usingaperi.

M Kristo Mambo, makarovererwapachipiyaniso. V Tinzwireiwo tsitsi.

Rwiyo

Amai vangu vasande, Maronda o Mununuri, Nditsikirei mumwoyo.